Memorials and Tributes
Jemina Rudo Makuvara Memorial: 6 September 2026
About: Rudo
- Category:
- Memorials and Tributes
- Dates:
- 6 September 2026
Overview
Nhoroondo yeupenyu hwaJemina Rudo Makuvara (1940 to 2016), VaMaminutes, as read at her memorial at Silveira, Bikita.
Memorial video: https://www.youtube.com/watch?v=pp4ZDAilrQY
Venue: Silveira, Bikita, Zimbabwe.
## Lineage
Vabereki vavo ndiNgirandi (Bingudza) na Elizabeth (vaManda). Ngirandi mwana waManyera. Manyera Mwana wa Jakata (Mbaura). Jakata Mwana waMashava. Mashava mwana waMahwire. Elizabeth mwana wokwaManjokoto.
## Family and personal life
Vakaroorwa mugore ra1960 kuSilveira Mission, masabhuku Chirobho naTaruvinga Dzorai, vaera shiri (Hungwe). Vakagara muraini maChirobho kwemakore manomwe (7) kubva 1960 kusvika 1968 apo vakazotamira kwasabhuku Madzvamuse panguva iyeyo, vaMadzvamuse vakazotamira Gokwe mugore ra1972 raini rikazotengwa navaPedzisai Makudza Chamwaita munova mavakazogara kusvika vashaika musi wa10 August 2016.
Vaviri ava vakazoberekavo mhuri yavo vana vasere (8) vakomana vashanu (5) vasikana vatatu (3) vanoti kubva kumukuru Luckson, Konias, Alphonce (akashaya), Jealous, Agnes (akashaya), Tambudzai (akashaya), Nyaradzo, naMutisi. Vazukuru vanosvika makumi maviri nemumwechete (21), nevazukuru bvi gumi navatanhatu (16), nechizukuru pimbira chimwe (1). Murume wavo vaTaruvinga Dzorai vakazoshaikavo mugore ra2018.
Above all, she had great love for people and her family, just as her name "Rudo" says.
## Education, occupation and business
Vakadzidza chikoro paGudo kusvika standard 1. Vakanga vari murimi aiva hurudza. She worked very hard supporting her family through market gardening and brewing African traditional (7 days). She was quite an intelligent woman with a great sense of humour. She liked to speak in English whenever she could. She also had a very strong character and was very industrious and always busy. She was famously known for her signature statement "hakuna maminutes okutambisa" from which she was affectionately known as "VaMaminutes".
Original language: Shona